please ndibatei pawatsapp number furniture yese iripo 0776059151
Kundai t novels fun page
Welcome to Damein furnitures our shop is in Highglen road please watsapp this number or call
+263776059151
06/11/2023
SOMETHING IS LOADING
03/04/2023
Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/Evj1kQatXZuJ5AL78LnpnL
πͺ’πͺ’πͺ’πͺ’πͺ’πͺ’πͺ’πͺ’πͺ’πͺ’
*IMHOSVA HERE KUVA MUROMBO*π§ββοΈπ§ββοΈπ§ββοΈπ§ββοΈ
WRITTEN BY KUNDAI T NOVELS
+263714767300
+263776059151
+263714748136
Chitsauko 1
Zuva rainge radongorera kupinda muna mai varo semazuva ose asi musi uyu kwaive nekamhepo kaifefetera zvakafanira uye kune twumvura twemubvumbi twaipfura pfura twuchinairira kure kure asi kwaioneka kuti kuri kunaya.
Tinotenda Mubayamombe ainge achangopedza kuvharira mombe dzambuya vake vaaigara navo tingangoti mombe dzake shanu sezvo ndiye ainge adzisiirwa nasekuru vake mushure mekunge vafa makore mashanu adarika saka vainge vangosiya varaira kuti mombe dzaizopihwa Tinotenda sezvo ndiye aiva muzukuru wavo chete mwana wemwana wavo mumwechete uyo ainge atorwawo nepasi pamwechete nemudzimai wake nekuda kwetsaona yemumigwagwa panguva yakafa sekuru vake ainge ane makore manomwe ekuberekwa haana zvizhinji zvaainge akuziva.
Saka kubva pakafa Sekuru vake akabva asara achigara nambuya vake avo vainge vakwegura zvekuti hapana chavainge vachakwanisa kuita kunze kwekungomirira nguva yaMwari kuti vaite kuda kwavo tingangoti vainge vamirira zuva chete. Zvino Tinotenda haana imwe hama yaaive nayo kunze kwaaAmbuya vake ava vainge vakusagona kana kana kuita chero ripi basa.
Kufa kwakaita Sekuru vake kwakava kutanga kuunza kutambudzika kwaTinotenda nambuya vake sezvo Tinotenda ainge achiri mudiki chaizvo haana chaanga ati akuziva maererano nehupenyu , musi wavigwa sekuru vake vakamboita mazuva vachidya chikafu chainge chasaririra asi mushure mesvondo rimwe chete chikafu chainge chapera apa ndipo pakatanga kuoma hupenyu hwemhuri iyi kusvika rimwe zuva mbuya vake vatanga kutaura vachiti.
*Muzukuru wangu Tinotenda uchiri mudiki chaizvo asi zvawadai wakura muzukuru unofanirwa kuziva chinonzi hupenyu ukadaro uvhava nemazuva akawanda ekurarama panyika uye uchava nemazuva mashoma ekurarama paNyika sezvo Hupenyu ndiwe muridzi"* vakadaro Mbuya vaTinotenda ndokimbokosora kosora ndokisvipira zigararwa rakakora muchoto ndokugadzirisa pahuro ndokuenderera mberi voti.
*"Unoona mamiriro aita zvinhu muzukuru inini ndangova hari yofanzirofa chero mangwana ndinofuma ndaenda kune vakatungamira ngazvisakushamise muzukuru wangu inguva yamwari Sekuru nevabereki vako vese vakaenda inini ndini ndasara asi kwangovawo kufema kwemweya asi nyama yakaenda kare Muzukuru Zvaunoziva kuti Sekuru ndivo vaiita kuti tirarame pano inini dai pasina Hurema hwakauya ndakura uhu hwekuroiwa ndingadai ndiri kukushandira muzukuru wangu asi ha......"* havana kupedza kutaura vakabva vatanga kudonhedza misodzi vachichema zveshungu asi Tinotenda ainge akabata shaya haana kubuditsa kana donhwe remusodzi.
Vakachema kwechinguva ndokuzopukuta misodzi ndokubva vaenderera mberi vachiti *Yaivewo shuwiro yangu kuti ndione kuyaruka kwako muzukuru uye hupenyu hwauchararama nemhuri yako asi munhu anofema akazviramba iyezvino munyama dzangu ndinonzwa kurwadziwa uye kunzwa kuti handichisina mazuva akawanda ekunge ndinewe muzukuru zvino chekutanga muzukuru uri munhu wemurume unofanirwa kuva munhu anozvishandira kuva munhu anoshandisa simba rake pazvinhu zvose Simba mukaka rinodzinira muzukuru ndiwe watova baba ndiwe watova mai pauri ipapo wotomboenda muvavakidzani umu wotsvaga zvekuita uchishandisa Simba rako vokupawo zvavainazvo towana kurarama muzukuru*" vakadaro mbuya vaTinotenda ndokutarisa muzukuru wavo mumaziso ndokuona kushinga kwake misodzi ndiyo yainge yongobuda chete vakabva vaenderera mberi vachiti.
*Mukufamba uchitsvaga zvekuita imomo uchasangana nemarudzi evanhu akasiyana siyana vamwe vanokufarira vamwe vanokumhura asi zvisakudye moyo muzukuru wangu muromo wako ngaudzidze kunyarara chako chaunoita ziva Mwari kubva nhasi ukatukwa ukarohwa ingoisa muchinjikwa wonyarara hako muzukuru nerimww ramazuva uchava chidadiso mwana wemwana wangu hupenyu haurambe hwakadai , chepiri mukuita basa imomo uchasangana nevanoda kukuedza iwewe izoti ukaona chinhu chisiri chako siya pawachiona ipapo usabate kana kutora,chisi chako chausina kupihwa ukadaro unokura usina kuremara muzukuru wangu.*
*Uchakura muzukuru uchasangana nezvakawanda uri munhurume uchasangana nana Dherira vanokudira mari kana kukudira zvaurikuita pasina rudo rwechokwadi izotanga wadzidza munhu waunofambidzana naye kwete kumhanya kuwira muzukuru ndinoziva mukukura uchada kuedza zvakawanda kuri kuda kunzwa kuti zvinoita sei asi kana wafunga kufadza nyama yako kumunhu wausina chokwadi naye izopfeka butiro muzukuru wangu nyika yauya kuipa iyi unofa uri mwana mudiki chaiye uye kune vasikana vakutsvuka vakura ava usati wawana murungu nekuda kweganda kutsvuka zvaro kunze guyu asi mukati rizere masvosve*.
*Dzidza kupa munhu wese mukuru kwauri Rukudzo muzukuru wangu hauzive kunobva makomberero dzimww dzenguva anobva pakashoreka izoona munhu wese semunhu usaite godo neruchiva ndizvo zvinhu zvaparadza vakawanda muzukuru gutsikana nezvaunazvo woita shungu muhupenyu hapana chinoramba muzukuru wangu Uye uchafunga kuita shamwari asi ipapo kana uchikwanisa muzukuru wangu izova munhu anotamba ega shamwari yako wova mumvuri wako mazano unorairwa mukufamba imomo uye uchadzidza zvakawanda nekuti Shamwari ishova dzinovaka zhinji dzacho dziri pakuputsa chete pangu ndapedza muzukuru wava negwara rekufamba naro kubva nhasi chindipawo mvura uzobvunze hako kana une zvaunoda kuziva*.
Tinotenda akangosimuka ndokuchera mvura ndokupa mbuya vake ndokubva abuda zvake panze haana kana chaakakwanisa kutaura shungu dzainge dzamubata chaakwanisa kuenda paiva nemakuva evabereki vake neraSekuru ndokunorara paGuva rasekuru vake ndokutanga kudonhedza misodzi ichidonhera pamusoro peguva rasekuru vake ndokuenda pane revabereki vake ndokunoita zvimwechete ndokubva asimuka ndokuenda paive nerimwe zimutsamvi raiwatsogarwa naSekuru vake ndokunogara ipapo akabata shaya misodzi ichibuda chete hongu aiva mwana mudiki aitova mugwaro rwetatu (grade 3) asi ainge anyatsonzwa kutaura kwambuya vake.
Kunze kwakutoti hunderere ndipo paakasimuka ndokuenda maiva nambuya vake ndokubva abika bota ndokudya vachibva varara havo asi mbuya vake naiye wacho hope hadzina kubata mumwe nemumwe ari mundangariro zvekunzi pwere haifunge kunyeperana kuya hupenyu hunenge husati hwaoma Tino naMbuya vake vakazobatwa nehope kunze kwakutochena. Nguva dzetanhatu dzichikwana Tinotenda akabva amuka ndokutora badza rake nebhemba ndokuisa pamufudzi ndokunanga divi rekumavirira ndokutanga kutevedza imba imww neimwe achitsvaga maricho vamwe vaimutuka vamwe vachiti havana basa ravangaitirwe nemwana mudiki akadaro atoneta nekufamba akabva azowana paida kutemwa sora raive rakamudarika ndokubva azvishingisa ndokutanga kuita basa zvinhu zvaisava nyore zvairwadza Tino aiita basa misodzi ichiyerera chete apa mumaoko ndokutanga kubuda mhonhi kusvika dzaputika ropa ndokutanga kubuda achishingirira chete chaaida kuti ararare uye mbuya vake aivada chose.
Tinotenda anozopedza hake asi maoko ainge ava maronda chete ndokuenda kuti achipiwa muripo wake nemunhu wacho ndokubva ashamisika kuona achipihwa macup maviri ehubvu nekabhotoro kadiki kaive kasina kuzara kemafuta apa nemashandiro aainge aita Tino haana kuda kutaura zvakawanda akangoti.
"Saka ndiwo muripo wacho here nekushanda kwandaita".?
*" Ehe ndiwo wanga uchida wakaita sei nhai mukomana ndozvinoenderana newe izvozvo*" aya ndomashoko akataurwa nemunhu waainge ashandira zvinova zvakamurwadza kusvika pekupedzisira asi akabva afunga mashoko aMbuya vake ndokungoisa muchinjikwa ndokutanga kufamba achienda asi akuda kubva pachivanze akabva ataura mashoko maviri.
*Mukuru wangu mukaita chakanaka mazviitira mukaita chakaipa mazviitira* ndokubva atanga kufambisa hake achidzokera kumba asi aizvuva makumbo sezvo nzara yainge yabata apa aida kunovhirira mombe dzake uye kubikira mbuya vake zvisinei painge pasina zvekuita akabva aenda ndokunobika kasadza nemashizha emanhanga ndokupedza ndokupakurira mbuya vake vachibva vadya twuhupfu twainge twasara twemanheru.
Achipedza kudya akabva anovhurira mombe dzake ndokuenda nadzo kumafuro kwaivw nevamwe asi dzake aifudzira pake ega kusvika zuva ravira asi panevamwe vaiveko kumafuro vaiita zvekudhidha mombe ndokunodya kumunda kweumwe murume aizivikanwa nekurova asi vakakasika kuzviona ndokunodzibuditsa ndokudzoka nadzo asi dzainge dzadya.. vachangodzoka nadzo ndonguva yainge Tinotenda achangoenda kumba nguva iyoyo muridzi wemunda akabva auya kune vakomana vekudyisa mumunda ndokubvunza kuti vainge vasiirei mombe dzichidya mumunda wavo ivo vakabva vati ndedzaTino ndozvatoita kuti atize achienda kumba murume uya nehasha akabva atotevera kwana Tino ndonguva yaakasvika achangopedza kuvharira mombe sezvo kwainairira akangosvika nekumurova chibhakera kumussna ndokubva Tino angoti zii akadaro murume uya achiona izvi akabva ati chitsoka ndibereke akadzokera kwaainge abva avawo mbuya vaTino vainge vari mumba chete.
Kupera kwechitsuko 1π€
Toenderera mberi hereβ
IS IT A CRIME TO BE POORπ WhatsApp Group Invite
New book coming soon its called is it a crime to be poor?
Now lets descuss?
28/02/2023
Imhosva here kuva murombo
Click here to claim your Sponsored Listing.
Location
Category
Contact the business
Telephone
Website
Address
Harare